Skip to content

Moto wakafukidzwa nezvishuwo, uye Jannah yakafukidzwa nezvinhu zvinorema (pamwoyo).

Nhaurwa kubva kuna Abu Hurairah (Allah ngavafare naye) yekuti Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:

«Moto wakafukidzwa nezvishuwo, uye Paradhiso yakafukidzwa nezvinhu zvinorema (pamwoyo).»

«حُجِبَتِ النَّارُ بِالشَّهَوَاتِ، وَحُجِبَتِ الْجَنَّةُ بِالْمَكَارِهِ».

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari, vanotsanangura kuti Moto wakakomberedzwa nezvinhu zvinoshuviwa nemweya, zvakaita sekuita zvinhu zvakarambidzwa kana kuregeredza pazvinhu zvinosungirwa; Saka ani naani zvake anotevera zvishuwo zvake pane izvozvo, anokodzera Moto, Uye kuti Jannah yakakomberedzwa nezvinhu zvinovengwa nemuviri; sekugara uchiita zvakarairwa, nekusiya zvinorambidzwa, nekutsungirira pane izvozvo, saka kana munhu akazvishingisa uye akashingaira nemuviri wake pane izvozvo, anokodzera kupinda muJannah.

Zvirevo zvemashoko

حُجبت: حُفت وأُحيطت.

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Zvimwe zvezvikonzero zvekuwira muzvido zvakaipa ndiko kushongedza kwaSatani zvinhu zvakaipa nezvinonyangadza, kusvikira munhu azviona sezvakanaka obva arerekera kwazviri.

Kurayirwa kubva pazvishuvo zvinorambidzwa; nekuti ndiyo nzira inoenda kuMoto, nekutsungirira pamatambudziko; nekuti ndiyo nzira inoenda kuJannah.

Kukosha kwekushingaira kudzora muviri, nekushingaira mukunamata, nekusimbaradza moyo (kutsungirira) pazvinhu zvinorwadza nematambudziko ayo akakomberedza mabasa ekuteerera.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (8/ 102) (6487).

Sahih Muslim (4/ 2174) (2822).

Sunan Abu Dawud (7/ 122) (4744).

Sunan at-Tirmidhi (4/ 274) (2560).

Sunan yaAn-Nasaa’i (7/ 3) (3763).

Zvimwe (10)

كنوز رياض الصالحين.

لمجموعة من الباحثين (2/ 449).

شرح رياض الصالحين.

لابن عثيمين (2/ 87).

المنهاج شرح صحيح مسلم بن الحجاج.

للنووي (17/ 165).

بهجة الناظرين شرح رياض الصالحين.

لسليم الهلالي (1/ 183).

نزهة المتقين شرح رياض الصالحين.

لمصطفى الخِن وغيره (1/ 134).