"O Allah (Mwari), musaita kuti guva rangu rive chifananidzo chinonamatwa."
Abu Hurairah, Allah ngavafare naye, ane nhaurwa yaakanzwa kubva kuMuporofita, rugare nemakomborero aAllah (Mwari) ngazvive pavari:
"«Veduwe-e Allah (Mwari), musaita kuti guva rangu rive chidhori (chinonamatwa), Allah (Mwari) vakatuka vanhu vakaita makuva emaporofita vavo nzvimbo dzekunamatira (maMasjid)»."
«اللهم لا تجعل قبري وثنًا، لعن الله قومًا اتخذوا قبور أنبيائهم مساجد».
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakakumbira kuna Tenzi vavo kuti vasaita guva ravo sechifananidzo chinonamatwa nevanhu kuburikidza nekuriremekedza, uye nekutarisana naro paSujud (kugwadama), uyezve vakazivisa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) kuti Allah (Mwari) vakaisa kure nekudzinga kubva mutsitsi dzavo uyo anoita makuva eMaporofita maMasjid; nekuti kuaita maMasjid inzira inotungamirira kukunamatwa kwawo nekutenda maari.
وثنًا: والوثن كل ما عبد من دون الله كالقبور والأشجار والحيطان والأحجار ونحوِها.
Kupfurikidza mwero weShari'ah pamakuva eMaporofita nevanhu vakarurama kunoita kuti ave anonamatwa kunze kwaAllah (Mwari), saka zvinosungirwa kungwarira nzira dzinotungamirira kuShirk (kubatanidza Allah nezvimwe zvinhu pakunamata).
Hazvibvumirwi kunanga kumakuva nechinangwa chekuakudza nekunamatira paari, zvisinei kuti uyo ari maari ari pedyo zvakadii naAllah (Mwari) Varikumusorosoro.
Kurambidzwa kwekuvaka maMasjid pamakuva.
Kurambidzwa kwekunamata pamakuva kunyangwe pasina kuvakwa Masjid, kunze kweSwalaah yeJanazah (munamato unoitirwa mufi) isina kunamatirwa.
Musnad Ahmad (12/ 314) (7358).
Zvimwe (12)
فتح المجيد شرح كتاب التوحيد.
لعبد الرحمن التميمي (1/ 434).
القول المفيد على كتاب التوحيد.
لمحمد بن عثيمين (1/ 434).
الملخص في شرح كتاب التوحيد.
لصالح الفوزان (ص178).
الجديد في شرح كتاب التوحيد.
لمحمد القرعاوي (ص194).
التمهيد لشرح كتاب التوحيد.
لصالح آل الشيخ (ص51).
مشكاة المصابيح.
للتبريزي (1/ 234).
Cited in books
2 BooksZvimwe (2)
- الأسئلة المختارة من قاموس الأسئلة الشائعة حول الإسلامقسم النبوة«اللَّهُمَّ لَا تَجْعَلْ قَبْرِي وَثَنًا، لَعَنَ اللَّهُ قَوْمًا اتَّخَذُوا قُبُورَ أَنْبِيَائِهِمْ مَسَاجِدَ»
- موسوعة الأسئلة (المجموعة الأولى)«اللَّهُمَّ لَا تَجْعَلْ قَبْرِي وَثَنًا، لَعَنَ اللَّهُ قَوْمًا اتَّخَذُوا قُبُورَ أَنْبِيَائِهِمْ مَسَاجِدَ»