Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

9 of 70 cards

Clear filters
Mamwe maṢaḥabah eMuporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakauya, ndokuvabvunza vachiti: "Zvirokwazvo, tinowana matiri zvinhu zvokuti mumwe wedu anoona zvichirema kwazvo kuti azvitaure." Mutumwa vakati: «Zvakaitika kwamuri here izvozvo?» Vakati: "Hongu." Mutumwa vakati: «Ikoko ndiko kutenda kwakajeka.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالإيمان بالله عز وجل، الإيمانموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الإيمان بالله تعالى
«Musandirumbidza zvakapfuura mwero sekurumbidza kwakaita maKristu mwanakomana waMariya; nokuti zvirokwazvo, ini ndiri muranda wavo, saka taurai kuti: Muranda waAllah (Mwari) uye Mutumwa wavo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
التصنيف الشرعيالغلو في الأنبياء، توحيد الألوهية، النبوة والرسالة، الإيمان بنبينا محمد صلى الله عليه وسلمموضوعات الحديثأهمية التوحيد، معنى شهادة أن محمدًا رسول الله، الشرك بالله وأقسامه، حقوق النبي ﷺمحاور التعريف بالإسلامالغلو في الأنبياء
"Muenzaniso wemunyengeri (Munāfiq), wakafanana nehwai inodzungaira pakati pemapoka maviri ehwai, ichienda kune iri imwe nguva uye kune rimwe racho imwe nguva.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالنفاقموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الإخلاص
«Allah (Mwari) vakaropafadzwa uye Varikumusoro-soro vakataura kuti: Ini ndakazvikwanira zvakanyanya zvokuti handidi zvachose kusanganiswa nevamwe, ani naani anoita basa achisanganisa vamwe neni mariri, ndinomusiya iye pamwe chete nekusanganisa kwake.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيأعمال القلوب، توحيد الألوهية، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامه، الإخلاص، الرياءمحاور التعريف بالإسلاموجوب إفراد الله بالعبادة، بطلان الشرك وصوره
"《Uyo anopika nezvisiri Allah (Mwari) , zvirokwazvo anenge atoramba kutenda kana kuti atosanganisa vamwe naAllah (Mwari)》."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAhmad.
التصنيف الشرعيالأيمان والنذور، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلامبطلان الشرك وصوره
Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakatitungamirira mumunamato wemangwanani (Ṣubḥ) kuHudaybiyyah mushure memvura yakanaya husiku hwacho. Pavakapedza, vakatendeukira kuvanhu, ndokubva vati: "Munoziva here kuti Tenzi venyu vati kudii?" Vakati: "Allah neMutumwa wavo ndivo vanonyatsoziva." Vakati: "Pavaranda vangu vamwe vamuka vachitenda mandiri, uye vamwe vasingatendi. Kune uyo ati: 'Tanaisirwa mvura nenyasha dzaAllah netsitsi dzavo', iyeye anotenda mandiri, uye haatendi munyeredzi. Asi kune uyo ati: 'Tanaisirwa mvura nenyeredzi yakati neyakati', iyeye haatendi mandiri, uye anotenda munyeredzi».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالأذكار للأمور العارضة، توحيد الربوبية، الكفر، الشركموضوعات الحديثالذِّكْر، أهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامه، الكفر وأنواعه، الكهانة والعرافة والتنجيم وإتيان من يتلبس بهذه المنكرات، الشكرمحاور التعريف بالإسلامبطلان الشرك وصوره، ربوبية الله للعالمين، التذكير بنعم الله علينا
«Ani naani anosangana naAllah (Mwari) asingavabatanidzi nechimwe chinhu mukuvanamata; achapinda muJannah (Paradhiso), uye ani naani anosangana navo achivabatanidza nezvimwe zvinhu mukuvanamata; achapinda muMoto (Gehena).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، صفات الجنة والنار، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلاموجوب إفراد الله بالعبادة، بطلان الشرك وصوره، النجاة بالدخول في الإسلام
«Zvirokwazvo, Allah vachanunura mumwe murume kubva muUmmah yangu pamberi pezvisikwa zvose paZuva reRekumutswah, vomuvhurira magwaro makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, gwaro rega rega rakareba kusvika panogumira kuona kweziso. Vachabva vati: 'Pane chaunoramba pane izvi here? Vanyori vangu vanochengetedza vakakuitira hudzvanyiriri here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva Vati: 'Saka une chikonzero here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva vati: 'Kwete kudaro, zvechokwadi une chiito chakanaka kwatiri, uye nhasi haumboitirwe hudzvanyiriri.' Kunobva kwabudiswa kapepa kakanyorwa kuti: 'Ndinopupura kuti hakuna akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo neMutumwa wavo.' Vobva vati: 'Unza chikero chako.' Achati: "Tenzi wangu, kapepa aka kane basa rei pakatariswa magwaro ose aya?' Vachati: 'Zvirokwazvo, haumbodzvanyirirwi.' [Mutumwa] akati: 'Zvino magwaro achaiswa mune rimwe divi rechikero, uye kapepa kachiiswa mune rimwe divi. Magwaro achabva areruka uye kapepa korema, nokuti hapana chingaenzana pakurema nezita raAllah.'»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naIbn Maajah
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، الحياة الآخرةموضوعات الحديثأهمية التوحيد، سعة فضل الله عز وجل، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالحساب، النجاة بالدخول في الإسلام