Skip to content

"Ani naani zvake anosangana naAllah (Mwari) asingavabatanidzi nechimwe chinhu mukuvanamata, achapinda kuJannah (Paradhiso), uye uyo anosangana navo achivabatanidza nezvimwe zvinhu, achapinda muMoto (Gehena)."

Kubva kuna Jaabir bin Abdullah (Allah ngavafare naye nababa vake), akati: Ndakanzwa Mutumwa waAllah (rugare netsitsi dzaAllah ngazvive kwaari) achiti:

«Ani naani anosangana naAllah (Mwari) asingavabatanidzi nechimwe chinhu mukuvanamata; achapinda muJannah (Paradhiso), uye ani naani anosangana navo achivabatanidza nezvimwe zvinhu mukuvanamata; achapinda muMoto (Gehena).»

«مَنْ لَقِيَ اللهَ لَا يُشْرِكُ بِهِ شَيْئًا دَخَلَ الْجَنَّةَ، وَمَنْ لَقِيَهُ يُشْرِكُ بِهِ دَخَلَ النَّارَ».

Yakarondedzerwa naMuslim
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) anozivisa kuti uyo anofa asingasanganisi Allah (Mwari) nechero chii zvacho; magumo ake kuenda kuParadhiso, kunyangwe akarangwa pane zvimwe zvivi zvake, uye kuti uyo anofa achisanganisa Allah (Mwari) nechero chii zvacho; achagara zvachose muMoto (Gehena).

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kunaka kweTawheed (Humwechete hwaAllah), uye kuti ihwo chikonzero chekuponeswa kubva mukugara nekusingaperi kumoto.

Kuva pedyo kweParadhiso uye neGehena kumuranda, uye kuti hapana chiri pakati pake nepakati pazvo kunze kwerufu.

Yambiro pamusoro peShirk, diki yayo nehuru yayo; nekuti kuponeswa kubva kuMoto kuri nekunzvenga kwayo.

Zviito zvinotongwa nemagumo azvo.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih Muslim (1/ 94) (93).

Zvimwe (4)

الملخص في شرح كتاب التوحيد.

لصالح الفوزان (ص49).

الجديد في شرح كتاب التوحيد.

لمحمد القرعاوي (ص60).