Skip to content

"Ani naani anondivimbisa kuchengetedza zviri pakati peshaya dzake nezviri pakati pemakumbo ake, ndinomuvimbisa Jannah."

Sahl bin Sa'd, Allah (Mwari) ngavafare naye, ane nhaurwa yaakanzwa kubva kuna Mutumwa waAllah, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, apo vakati:

"«Ani naani anondivimbisa kuchengetedza zviri pakati peshaya dzake nezviri pakati pemakumbo ake, ndinomuvimbisa Paradhiso.»"

«مَنْ يَضْمَنْ لِي مَا بَيْنَ لَحْيَيْهِ وَمَا بَيْنَ رِجْلَيْهِ أَضْمَنْ لَهُ الْجَنَّةَ».

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (sallallahu alayhi wa sallam) vanozivisa nezvezvinhu zviviri, izvo kana muMuslim akabatirira pazviri; achapinda muJannah, Chekutanga: Kuchengetedza rurimi kubva mukutaura zvinotsamwisa Allah (Mwari) Varikumusoro-soro, Uye chepiri: Kuchengetedza nhengo dzinonyadzisa kubva mukuwira muunzenza; Nekuti nhengo mbiri idzi, kuitwa kwezvivi kunowanda nadzo.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Kuchengetedzwa kwerurimi nenhengo dzakavandika inzira yekupinda muJannah.

Vakadoma zvakanangana nerurimi nenhengo dzesikarudzi; nekuti zviviri izvi ndizvo mabviro makuru ematambudziko kumunhu panyika uye nekuhupenyu hunotevera.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (8/ 100) (6474).

Zvimwe (11)

بهجة الناظرين شرح رياض الصالحين.

تأليف سليم الهلالي (3/ 9).

نزهة المتقين شرح رياض الصالحين.

تأليف د.

مصطفى الخِن وغيره (2/ 1035).

كنوز رياض الصالحين.

لمجموعة من الباحثين (18/ 85).

شرح رياض الصالحين.

لابن عثيمين (6/ 117).

إرشاد الساري لشرح صحيح البخاري.

للقسطلاني (9/ 272).