Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

6 of 70 cards

Clear filters
«Uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachena, uye uyo anoverenga Qur'ān chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah pakavanda.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيفضائل أعمال القلوب، آداب تلاوة القرآن الكريم، صدقة التطوعموضوعات الحديثتلاوة القرآن، صدقة التطوع، الإخلاص
Mumwe murume akauya kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndokuti: "Imi Mutumwa waAllah, zvirokwazvo umwe wedu anonzwa mumwoyo make - aireva chinhu chaaisada kudoma- zvokuti kutsva kuita madota kuri nani kwaari pane kutaura nezvazvo." Vakabva vati: "Allah ndivo vakurusa! Allah ndivo vakurusa! Kurumbidzwa kwose ndekwaAllah avo vaita kuti manomano ake (Shaiṭān) mukuzevezera.
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAn-Nasaa’i muAl-Kubra.
التصنيف الشرعيأمراض القلوب، الإيمان بالله عز وجل، الجن، الإيمانموضوعات الحديثالإيمان بالله تعالى
"Chenjerai! kuti panogona kuva nemurume anosvikirwa neḥadīth inobva kwandiri, iye akazendama pachigaro chake, obva ati: “Pakati pedu nemi pane Bhuku raAllah, saka zvatinowana mariri zvinotenderwa tinozvitendera, uye zvatinowana mariri zvinorambidzwa tinozvirambidza.” Zvirokwazvo, izvo zvakarambidzwa naMutumwa waAllah (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) zvakafanana neizvo zvakarambidzwa naAllah."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naIbn Majah.
التصنيف الشرعيمصادر التشريع، أهمية السنة ومكانتها، النبوة والرسالة، أشراط الساعةموضوعات الحديثمتابعة الرسول ﷺمحاور التعريف بالإسلامشبهات حول السنة
Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazvive kwavari ) vaisaziva kupatsanurwa kwechitsauko (Sūrah ) kudzamara vadzikisirwa ndima inoti: "Bismillāhi r-raḥmāni r-raḥīm. (Muzita raAllah, vane tsitsi vane ngoni)."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud
التصنيف الشرعيمباحث قرآنية عامة، جمع القرآن والرسم العثماني، الوقف والابتداءموضوعات الحديثالقرآن وعلومه
"《Uyo anopika nezvisiri Allah (Mwari) , zvirokwazvo anenge atoramba kutenda kana kuti atosanganisa vamwe naAllah (Mwari)》."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAhmad.
التصنيف الشرعيالأيمان والنذور، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلامبطلان الشرك وصوره
"«Kana munhu ada hama yake, ngaamuudze kuti anomuda»."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra naAhmad.
التصنيف الشرعيالأخلاق الحميدة، آداب الكلام والصمتموضوعات الحديثالحب في الله والبغض في اللهمحاور التعريف بالإسلاممحاسن الأخلاق