Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

6 of 26 cards

Clear filters
«Moto wakafukidzwa nezvishuwo, uye Paradhiso yakafukidzwa nezvinhu zvinorema (pamwoyo).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza», vakati: Imi Mutumwa waAllah (Mwari), ndezvipi izvo? Vakati: «Kusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva mhosva yehupombwe».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Kwakabvunzwa kuti: O Mutumwa waAllah, ndiani pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwenyu pazuva rekutongwa? Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati: "Ndakafunga, O Abu Hurairah, kuti hapana munhu aizondibvunza nezvenhaurwa iyi kutanga pamberi pako nekuda kwezvandakaona mukushuvira kwako nhaurwa, munhu pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwangu pazuva rekutongwa, ani naani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari) akazvipira kubva pamoyo pake kana mumweya wake."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
(Ani naani anoita Hajj nekuda kwaAllah (Mwari), akasaita zvinonyadzisira kana kuita zvitadzo, anodzokera akachena sezvaaiva pazuva raakazvarwa namai vake).
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Kodzero yemuMuslim kune mumwe muMuslim dzishanu: kudaira Salaam, kushanyira anorwara, kutevera mufi, kubvuma kukokwa, nekuitira anohotsira du'a (munyengetero)».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Kwaive nemumwe murume aikweretesa vanhu, aiti kumushandi wake: 'Kana wasangana nemunhu ari mumatambudziko, muregerere, kuitira kuti zvimwe Allah (Mwari) vangatiregererawo.' Saka akasangana naAllah (Mwari), vakabva vamuregerera.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim