Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

3 of 70 cards

Clear filters

Narrated in

Ndakati: "Imi Mutumwa waAllah, midziyo yedziva (renyu kuParadhiso) yakaita sei?" Vakabva vati: "Naiye uyo ane mweya waMuhammad muruoko rwake, zvirokwazvo midziyo yaro yakawanda kudarika huwandu hwenyeredzi dzemudenga nemapuraneti acho, muhusiku hwakasviba, husina makore. Midziyo yekeParadhiso, uyo anonwa kubva mairi haazombovi nenyota zvachose. Migero miviri yemvura kubva kuParadhiso inoyerera ichipinda mairi, uye munhu anonwa mairi haazombonzwa nyota. Upamhi hwaro hwakaenzana nehurefu hwaro, senhambwe iri pakati peAmman kusvika kuAylah. Mvura yaro yakachena zvakanyanya kudarika mukaka, uye inotapira kudarika huchi."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالخصائص النبوية، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالإيمان باليوم الآخر
«Zvirokwazvo, Allah havadzvinyiriri mutendi wechokwadi pabasa rakanaka (raanenge aita), anopihwa mubairo waro panyika, uye anopihwawaro muHupenyu Hunotevera. Asi uyo asingatendi, anopihwa zvekudya pamusana pemabasa akanaka aanenge aitira Allah panyika, zvekuti kana asvika kuHupenyu Hunotevera, anenge asisina basa rakanaka raangapuhwa mubairo pamusana paro.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيتوحيد الأسماء والصفات، الحياة الآخرة، الإيمان، الكفرموضوعات الحديثسعة فضل الله عز وجل، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامعدل الإسلام، الحساب، النجاة بالدخول في الإسلام
"Ndakati: "Imi Mutumwa waAllah, Ibn Jud'ān munguva yekusaziva aichengetedza hukama, uye aipa zvekudya kuvarombo, zvino izvozvo zvingamubatsira here?" Mutumwa vakati: "Hazvimubatsire, nokuti zvirokwazvo haana kumbobvira ati zuva rimwe: 'Tenzi vangu, ndiregererei zvitadzo zvangu paZuva reKutongwa'."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، الكفرموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامه، الكفر وأنواعه، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلاملا يقبل الله غير دين الإسلام، النجاة بالدخول في الإسلام