Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

4 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة1
حجم المحتوى2
التخريج المتعدد2
الخلفية الدينية للمستهدف2
التصنيف العقدي2
"Zvirokwazvo ndichange ndiri padziva kusvikira ndaona vanouya kwandiri kubva mamuri, uye vamwe vanhu vachatorwa kubva kwandiri, saka ndichati: "Tenzi vangu! ndevangu uye ndeveummah yangu. Zvichabva zvanzi: "Unoziva here zvavakaita mushure mako. NaAllah, vakaramba vachidzokera kumashure netsoka dzavo."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالبدعة، الحياة الآخرة، الكفرموضوعات الحديثالكفر وأنواعه، البدعة، الإيمان باليوم الآخر، متابعة الرسول ﷺ
"Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi kubva muBhuku raAllah yaunayo yakanyanya kukura?" Ndikati: "Allah neMuporofita wavo ndivo vanonyatsoziva." Vakati: "Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi kubva muBhuku raAllah yaunayo yakanyanya kukura?" Ndakati: "{Allah, hapana mumwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwavo, Mupenyu, Muchengeti wezvese} [Al-Baqarah: 255]." Vakabva varova pachipfuva changu, vakati: "Ndinopika naAllah, ruzivo ngarukupe mufaro, iwe Abū Al-Mundhir."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالصحابة وفضلهم، فضل العلم، فضائل السور والآياتموضوعات الحديثالحث على طلب العلم، فضائل السور والآيات، الصحابة رضي الله عنهم
Ndakanzwa Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) mazuva mashanu vasati vafa vachiti: «Zvirokwazvo, ndinozvisunungura kuna Allah (Mwari) kuti ndisava neshamwari yepedyo zvikuru pakati penyu, nokuti zvirokwazvo Allah (Mwari), Varikumusoro-soro, vakandiita shamwari yepedyo, sekutora kwavakaita Abrahamu seshamwari yepedyo. Uye kudai ndaizotora shamwari yepedyo kubva muvanhu vangu, ndaizotora Abu Bakr seshamwari yepedyo. Zivai kuti zvirokwazvo, vanhu vekare vaitora makuva emaporofita vavo neevakarurama vavo senzvimbo dzekunamatira (maMasjid). Chenjerai, musatora makuva senzvimbo dzekunamatira (maMasjid), zvirokwazvo, ini ndinokurambidzai izvozvo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالصحابة وفضلهم، أحكام المساجد، توحيد الألوهية، الخصائص النبويةموضوعات الحديثاتخاذ القبور مساجد، حقوق النبي ﷺ، الصحابة رضي الله عنهممحاور التعريف بالإسلامبطلان الشرك وصوره، الغلو في الأنبياء
Pataive takagara neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) muMasjid, pakapinda mumwe murume aive pangamera, akaipfugamisa muMasjid ndokuikusunga, ndokuti kwavari: "Ndiani pakati penyu anonzi Muhammad?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akange akazendamra pakati pavo, saka takati: "Murume muchena akazendamira uyu." Murume wacho akati kwaari: "Iwe mwanakomana waʿAbdul Muṭṭalib!" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati kwaari: "Ndakupindura." Murume wacho akabva ati kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari): "Ndiri kuda kukubvunza uye ndichakuomesera pamibvunzo yacho, saka usazondigumbukira pamoyo pako." Akati: "Bvunza chero chaunoda." Akati: "Ndinokubvunza ndichikupikira naTenzi vako uye naTenzi veavo vakakutangira, Allah vakakutuma kuvanhu vese here?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti tinamate minamato mishanu masikati nehusiku?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti titsanye mwedzi uno mugore?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti utore zvipo izvi (Zakāt) kubva kuvapfumi vedu wozvigova kuvarombo vedu?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati: "Hongu, ndopika naAllah." Murume wacho akati: "Ndatenda mune zvese zvawauya nazvo, uye ndiri nhumwa yevanhu vangu vandakasiya kumashure. Ini ndiri Ḍimām bin Tha'labah, hama yekwaBani Sa'd bin Bakr."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالدعوة إلى الله، وجوب الصلاة وفضلها وحكم تاركها، وجوب الزكاة وحكم تاركها، وجوب الصيام وحكم تاركه، الإيمان بالله عز وجل، الإيمان بنبينا محمد صلى الله عليه وسلم، الإسلامموضوعات الحديثالزكاة ومكانتها، الصوم الواجب، الدعوة إلى الله، التواضع، حقوق النبي ﷺ، مكانة الصلاة وفضلهامحاور التعريف بالإسلامالتعريف بالنبي محمد صلى الله عليه وسلم، أركان الإسلام