Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

4 of 70 cards

Clear filters
"Allah pavakasika Paradhiso neMoto, vakatuma Jibrīl (rugare ngaruve kwaari) kuParadhiso, vakati: "Tarisa kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Naizvozvo, akatarisa kwariri ndokudzoka, akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achanzwa nezvaro asingapindemo." Saka vakaraira nezvaro ndokubva rakomberedzwa nezvinorema, vakati: "Enda kwariri utarise kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Akabva akatarisa kwariri, ndokuwana rakakomberedzwa nezvinorema, ndokuti: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapindamo." Vakati: "Enda utarise kuMoto nezvandakagadzirira vagari vawo mauri." Saka akatarisa mauri ndokuwana zvikamu zvawo zvichikwira pamusoro pezvimwe, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achapindamo." Saka vakaraira nezvawo ndokubva wakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, vakati: "Dzokera utarise mauri." Akabva akatarisa mauri ndokuwana wakakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapunyuka kubva mauri asina kupindamo."
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيذَمُّ الهوى والشَّهوات، صفات الجنة والنار، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالصبر، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالجنة، النار
«Mabasa imhando nhanhatu, uye vanhu imhando ina: kune zvinhu zviviri zvinosungirwa, zvakafanana zvinowana zvakafanana nazvo, basa rakanaka rinowana mubairo unopetwa kagumi, basa rakanaka rinowana mubairo unopetwa kusvika wave mazana manomwe. Zvinhu zviviri zvinosungirwa: Uyo anofa asingasanganisi Allah nechinhu pakunamata achapinda muParadhiso, uye uyo anofa achisanganisa Allah nechinhu achapinda muMoto. Zvakafanana zvinowana zvakafanana nazvo: Uyo anovavarira kuita basa rakanaka kusvikira mwoyo wake wazvinzwa, uye Allah vachizviziva kuti zviri maari, anonyorerwa mubairo webasa rakanaka, uye uyo anoita basa rakaipa, anonyorerwa basa rakaipa (rimwe chete). Uye uyo anoita basa rakanaka, mubairo waro unopetwa kagumi pane rakafanana naro; uye uyo anoshandisa hupfumi hwake munzira yaAllah, anowana mubairo unopetwa mazana manomwe. Kana vari vanhu: vamwe vanopihwa zvakawanda muhupenyu hwepasi pano asi vachapihwa zvishoma muHupenyu Hwemangwana; vamwe vanopihwa zvishoma muhupenyu hwepasi pano asi vachipihwa zvakawanda muHupenyu Hwemangwanai; vamwe vanopihwa zvishoma zvese muhupenyu hwepasi pano nemuHupenyu Hwemangwana; vamwe vanopihwa zvakawanda zvese muhupenyu hwepasi pano nemuHupenyu Hwemangawana.»
Yakanaka Yakarondedzerwa naAhmad
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، فضائل الأعمال الصالحة، فضائل أعمال القلوب، فضائل أعمال الجوارح، صدقة التطوع، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، سعة فضل الله عز وجل، الشرك بالله وأقسامه، الإخلاصمحاور التعريف بالإسلاموجوب إفراد الله بالعبادة، بطلان الشرك وصوره، عدل الإسلام، الحساب، النجاة بالدخول في الإسلام
«Nguva yekuguma haisviki kudzamara zuva rabuda nekumadokero kwaro. Kana rabuda, uye vanhu vakariona, vese zvavo vachatenda. Asi iyoyo ichava nguva yekuti: {kutenda kwemunhu hakuzoubatsiri kana anga asina kutenda kare, kana kuti usina kuita mabasa akanaka mukutenda kwake} [Al-An'ām: 158]. Zvirokwazvo, nguva yekuguma ichasvika varume vaviri vakawarira nguo pakati pavo, asi havazotengeserani kana kuipeta. Uye zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika murume aenda nemukaka wengamera yake yaakama, asi haazounwi. Zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika munhu achigadzira dziva rake remvura, asi haazowana mukana wekupa vanhu mvura kubva mariri. Uye zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika mumwe wenyu asimudza musuva wekudya kuenda kumuromo wake, asi haazoudyi.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالتوبة، تفسير الآيات، أشراط الساعةموضوعات الحديثالقرآن وعلومه، أشراط الساعة، التوبةمحاور التعريف بالإسلامالمبادرة وعدم التسويف، خطورة الإعراض عن الحق
«Zvirokwazvo, Allah vachanunura mumwe murume kubva muUmmah yangu pamberi pezvisikwa zvose paZuva reRekumutswah, vomuvhurira magwaro makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe, gwaro rega rega rakareba kusvika panogumira kuona kweziso. Vachabva vati: 'Pane chaunoramba pane izvi here? Vanyori vangu vanochengetedza vakakuitira hudzvanyiriri here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva Vati: 'Saka une chikonzero here?' Achati: 'Kwete, Tenzi wangu.' Vobva vati: 'Kwete kudaro, zvechokwadi une chiito chakanaka kwatiri, uye nhasi haumboitirwe hudzvanyiriri.' Kunobva kwabudiswa kapepa kakanyorwa kuti: 'Ndinopupura kuti hakuna akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye ndinopupura kuti Muhammad muranda wavo neMutumwa wavo.' Vobva vati: 'Unza chikero chako.' Achati: "Tenzi wangu, kapepa aka kane basa rei pakatariswa magwaro ose aya?' Vachati: 'Zvirokwazvo, haumbodzvanyirirwi.' [Mutumwa] akati: 'Zvino magwaro achaiswa mune rimwe divi rechikero, uye kapepa kachiiswa mune rimwe divi. Magwaro achabva areruka uye kapepa korema, nokuti hapana chingaenzana pakurema nezita raAllah.'»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naIbn Maajah
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، الحياة الآخرةموضوعات الحديثأهمية التوحيد، سعة فضل الله عز وجل، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالحساب، النجاة بالدخول في الإسلام