Skip to content

Mabasa matanhatu, uye vanhu vana, kune zviviri zvinosungirwa, zvakafanana zvinowana zvakafanana nazvo, uye basa rimwechete rakanaka rinowana mubairo wemabasa gumi akafanana naro, uye basa rimwechete rakanaka rinopetwa kusvika rave mazana manomwe.

Khuraym bin Fātik (Allah ngavafare naye) akati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:

«Mabasa imhando nhanhatu, uye vanhu imhando ina: kune zvinhu zviviri zvinosungirwa, zvakafanana zvinowana zvakafanana nazvo, basa rakanaka rinowana mubairo unopetwa kagumi, basa rakanaka rinowana mubairo unopetwa kusvika wave mazana manomwe. Zvinhu zviviri zvinosungirwa: Uyo anofa asingasanganisi Allah nechinhu pakunamata achapinda muParadhiso, uye uyo anofa achisanganisa Allah nechinhu achapinda muMoto. Zvakafanana zvinowana zvakafanana nazvo: Uyo anovavarira kuita basa rakanaka kusvikira mwoyo wake wazvinzwa, uye Allah vachizviziva kuti zviri maari, anonyorerwa mubairo webasa rakanaka, uye uyo anoita basa rakaipa, anonyorerwa basa rakaipa (rimwe chete). Uye uyo anoita basa rakanaka, mubairo waro unopetwa kagumi pane rakafanana naro; uye uyo anoshandisa hupfumi hwake munzira yaAllah, anowana mubairo unopetwa mazana manomwe. Kana vari vanhu: vamwe vanopihwa zvakawanda muhupenyu hwepasi pano asi vachapihwa zvishoma muHupenyu Hwemangwana; vamwe vanopihwa zvishoma muhupenyu hwepasi pano asi vachipihwa zvakawanda muHupenyu Hwemangwanai; vamwe vanopihwa zvishoma zvese muhupenyu hwepasi pano nemuHupenyu Hwemangwana; vamwe vanopihwa zvakawanda zvese muhupenyu hwepasi pano nemuHupenyu Hwemangawana.»

«الْأَعْمَالُ سِتَّةٌ، وَالنَّاسُ أَرْبَعَةٌ، فَمُوجِبَتَانِ، وَمِثْلٌ بِمِثْلٍ، وَحَسَنَةٌ بِعَشْرِ أَمْثَالِهَا، وَحَسَنَةٌ بِسَبْعِ مِائَةٍ، فَأَمَّا الْمُوجِبَتَانِ: فَمَنْ مَاتَ لَا يُشْرِكُ بِاللهِ شَيْئًا دَخَلَ الْجَنَّةَ، وَمَنْ مَاتَ يُشْرِكُ بِاللهِ شَيْئًا دَخَلَ النَّارَ، وَأَمَّا مِثْلٌ بِمِثْلٍ: فَمَنْ هَمَّ بِحَسَنَةٍ حَتَّى يَشْعُرَهَا قَلْبُهُ، وَيَعْلَمَهَا اللهُ مِنْهُ كُتِبَتْ لَهُ حَسَنَةً، وَمَنْ عَمِلَ سَيِّئَةً، كُتِبَتْ عَلَيْهِ سَيِّئَةً، وَمَنْ عَمِلَ حَسَنَةً فَبِعَشْرِ أَمْثَالِهَا، وَمَنْ أَنْفَقَ نَفَقَةً فِي سَبِيلِ اللهِ فَحَسَنَةٌ بِسَبْعِ مِائَةٍ، وَأَمَّا النَّاسُ، فَمُوَسَّعٌ عَلَيْهِ فِي الدُّنْيَا مَقْتُورٌ عَلَيْهِ فِي الْآخِرَةِ، وَمَقْتُورٌ عَلَيْهِ فِي الدُّنْيَا مُوَسَّعٌ عَلَيْهِ فِي الْآخِرَةِ، وَمَقْتُورٌ عَلَيْهِ فِي الدُّنْيَا وَالْآخِرَةِ، وَمُوَسَّعٌ عَلَيْهِ فِي الدُّنْيَا وَالْآخِرَةِ».

Yakarondedzerwa naAhmad
Yakanaka
Tsananguro

Muporofita (rugare nemaropafadzo aAllah ngazvive paari) akazivisa kuti zviito zvine mhando nhanhatu, uye kuti vanhu vane mapoka mana. Naizvozvo, zviito zvitanhatu zvacho ndezvinotevera: Chekutanga: Aninani anofa asingabatanidze Allah nechimwe chinhu pakunamata, Paradhiso yakasungirwa kwaari. Chechipiri: Ani naani anofa achibatanidza Allah nechii zvacho pakunamata, Moto wakasungirwa kwaari, achagaramo nekusingaperi. Uye ndizvo zvinhu zviviri zvinosungirwa. Chechitatu: Basa rakanaka rinoitirwa chinangwa (niyyah). Uyo anoita niyyah yekuita basa rakanaka ova akatendeseka muniyyah yake kusvika ainzwa mumwoyo make, uye Allah vachiziva niyyah iyi kubva kwaari, kozoita chimwe chinhu chinomutadzisa kuita basa rakanaka iri, anobva anyorerwa mubairo webasa rakanaka rakakwana. Chechina: Basa rakaipa rikaitwa: uyo anoita basa rimwechete rakaipa anonyorerwa murango webasa rimwechete rakaipa. Uye izvi: ndizvozviri zvakafanana pasina kuwedzerwa. Chechishanu: Basa rakanaka rinova nemubairo wemabasa gumi akanaka akafanana naro, uye uyo anoronga kuita basa rimwechete rakanaka ogoriita; anonyorerwa mubairo wemabasa gumi akanaka. Chechitanhatu: Basa rimwechete rakanaka rinowana mubairo wemabasa akanaka mazana manomwe, nderouyo anopa mupiro umwechete munzira yaAllah, onyorerwa mubairo wemabasa mazana manomwe akanaka. Uye izvi zvinobva munyasha dzavo Allah vanoropafadza, vakuru, , nerupo rwavo kuvaranda vavo. Kana ari mapoka mana evanhu ndeanoti: Wekutanga: Ndiye uyo anopihwa chouviri chakawanda muhupenyu hwepanyika, achirarama muumbozha mairi, achiwana imomo zvose zvaanoda, asi achizoshaya muHupenyu Hwemangwana, uye magumo ake ari kuMoto. Uyu ndiye munhu asingatendi mupfumi. Wechipiri: Ndouya anowana chouviri chishoma panyika, asi anowana zvakawand muHupenyu Hwamangwana, uye magumo ake iri Paradhiso. Uyu ndiye mutendi murombo. Wechitatu: Uyo anoomeserwa panyika nemuHupenyu hwemangwana. Uyu munhu asingatendi ari murombo. Wechina: Ndiye uyo akawanzirwa makomborero panyika nemuHupenyu Hwamangwana. Uye ndiye mutendi akapfuma.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Hukuru hwenyasha dzaAllah vekumusoro-soro pavaranda vavo, uye nekuwedzera kwavo mibairo yemabasa akanaka.

Kururama uye rupo rwaAllah, nokuti Allah vanotibata nekururama panyaya yechiito chakaipa; saka mubairo wechiito chakaipa unongova chiito chimwe chakaipa.

Kukura kwechitadzo chekusanganisa Allah nezvimwe zvinhu pakunamata, nokuti machiri mune kurambidzwa Paradhiso.

Tsananguro yekukosha kwekushandisa pfuma munzira yaAllah.

Kuwedzerwa kwemubairo wekushandisa pfuma munzira yaAllah kunotangira pazvakapetwa mazana manomwe; nokuti kunobatsira mukusimudzira shoko raAllah.

Tsananguro yemapoka evanhu nekusiyana kwavo.

Pano panyika makomborero anowanzirwa kumutendi neasiri mutendi, asi muHupenyu Hwamangwana haawanzirwi kunze kwekune mutendi chete.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Musnad Ahmad (31/ 196) (18900).

(31/ 384).

Zvimwe (1)

الفتح الرباني لترتيب مسند أحمد بن حنبل الشيباني (19/198).