Kana murume ada hama yake, ngaamuudze kuti anomuda.
Al-Miqdam bin Ma'dikarib, Allah (Mwari) ngavafare naye, ane nhaurwa yake kubva kuna Muporofita, rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari, apo vakati:
"«Kana munhu ada hama yake, ngaamuudze kuti anomuda»."
«إِذَا أَحَبَّ الرَّجُلُ أَخَاهُ فَلْيُخْبِرْهُ أَنَّهُ يُحِبُّهُ».
Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vanojekesa chimwe chezvikonzero zvinosimbisa hukama pakati pevatendi uye zvinoparadzira rudo pakati pavo, chinova chekuti kana munhu akada hama yake, ngaamuudze kuti anomuda.
Kukosha kwerudo rwakachena nekuda kwaAllah (Mwari) Varikumusoro-soro, kwete kuitira zvido zvepanyika.
Zvinokurudzirwa kuzivisa munhu waunoda nekuda kwaAllah (Mwari) kuti unomuda, kuitira kuti rudo nekuwirirana zviwedzere.
Kuparadzira rudo pakati pevatendi kunosimbisa hukama hwekutenda uye kunochengetedza nzanga kubva mukuparara nekupesana.
Sunan Abu Dawud (7/ 444) (5124).
Sunan at-Tirmidhi (4/ 199) (2392).
Sunan Al-Kubra raAn-Nasaa’i (9/ 87) (9963).
Musnad Ahmad (28/ 408) (17171).
Zvimwe (12)
بهجة الناظرين شرح رياض الصالحين.
لسليم الهلالي (1/ 450).
تطريز رياض الصالحين.
لفيصل المبارك (ص258).
رياض الصالحين للنووي.
(ص138) (383).
سلسلة الأحاديث الصحيحة وشيء من فقهها وفوائدها.
للألباني (1/ 777).
فيض القدير شرح الجامع الصغير.
للمناوي (1/ 247).
كنوز رياض الصالحين.
لمجموعة من الباحثين (6/ 279).