Kana muranda achirwara kana kuti ari parwendo, anonyorerwa zvakafanana nezvaaiita panguva yaagera pamba uye aine hutano hwakanaka.
Kubva kuna Abu Musa Al-Ash'ari (Allah ngavafare naye) vakati: Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:
«Kana muranda akarwara kana kuenda parwendo, anonyorerwa zvakafanana nezvaaiita panguva yaaigara asiri parwendo uye aine hutano hwakanaka».
«إِذَا مَرِضَ الْعَبْدُ أَوْ سَافَرَ كُتِبَ لَهُ مِثْلُ مَا كَانَ يَعْمَلُ مُقِيمًا صَحِيحًا».
Muporofita (sallallahu alaihi wasallam) vanozivisa nezvenyasha dzaAllah (Mwari) netsitsi dzavo, uye kuti muMuslim kana aine tsika yekuita basa rakanaka panguva yeutano hwake nepaanenge asiri parwendo, achibva asangana nechikonzero obva arwara okundikana kuriita, kana kubatikana nekuva parwendo zvomutadzisa, kana chero chimwe chikonzero chipi zvacho; zvirokwazvo Allah vanomunyorera mubairo wakazara, sekunge aita basa racho panguva yeutano hwake nepaanenge asiri parwendo.
Kukura kwenyasha dzaAllah (Mwari) kuvaranda vavo.
Kukurudzira kushingaira mumabasa ekuteerera nekushandisa nguva zvakanaka panguva yehutano nekusununguka.
Sahih al-Bukhari (4/ 57) (2996).
Zvimwe (6)
شرح رياض الصالحين.
لابن عثيمين (1/ 36).
بهجة الناظرين شرح رياض الصالحين.
لسليم الهلالي (1/ 211).
بهجة قلوب الأبرار وقرة عيون الأخيار في شرح جوامع الأخبار.
لعبد الرحمن السعدي (ص83).