Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

3 of 70 cards

Clear filters
"Allah pavakasika Paradhiso neMoto, vakatuma Jibrīl (rugare ngaruve kwaari) kuParadhiso, vakati: "Tarisa kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Naizvozvo, akatarisa kwariri ndokudzoka, akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achanzwa nezvaro asingapindemo." Saka vakaraira nezvaro ndokubva rakomberedzwa nezvinorema, vakati: "Enda kwariri utarise kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Akabva akatarisa kwariri, ndokuwana rakakomberedzwa nezvinorema, ndokuti: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapindamo." Vakati: "Enda utarise kuMoto nezvandakagadzirira vagari vawo mauri." Saka akatarisa mauri ndokuwana zvikamu zvawo zvichikwira pamusoro pezvimwe, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achapindamo." Saka vakaraira nezvawo ndokubva wakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, vakati: "Dzokera utarise mauri." Akabva akatarisa mauri ndokuwana wakakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapunyuka kubva mauri asina kupindamo."
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيذَمُّ الهوى والشَّهوات، صفات الجنة والنار، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالصبر، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالجنة، النار
«Uyo anoverenga Qur'ān zvinonzwika akafanana neuyo anopa ṣadaqah pachena, uye uyo anoverenga Qur'ān chinyararire akafanana neuyo anopa ṣadaqah pakavanda.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيفضائل أعمال القلوب، آداب تلاوة القرآن الكريم، صدقة التطوعموضوعات الحديثتلاوة القرآن، صدقة التطوع، الإخلاص
"«Siwak inochenesa muromo, uye inofadza Tenzi»."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAn-Nasa'i naAhmad
التصنيف الشرعيسنن الفطرة والسواكموضوعات الحديثسنن الفطرة