Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة1
حجم المحتوى2
التخريج المتعدد1
التصنيف العقدي2
حجم المحتوى: متوسط
"Zvirokwazvo ndichange ndiri padziva kusvikira ndaona vanouya kwandiri kubva mamuri, uye vamwe vanhu vachatorwa kubva kwandiri, saka ndichati: "Tenzi vangu! ndevangu uye ndeveummah yangu. Zvichabva zvanzi: "Unoziva here zvavakaita mushure mako. NaAllah, vakaramba vachidzokera kumashure netsoka dzavo."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالبدعة، الحياة الآخرة، الكفرموضوعات الحديثالكفر وأنواعه، البدعة، الإيمان باليوم الآخر، متابعة الرسول ﷺ
Mutumwa waAllah (rugare nekuropafadzwa kwaAllah ngakuve kwavari) akaverenga ndima iyi: {Ndiye akaburutsa kwauri Gwaro, mariri mune ndima dzakajeka idzo dzinova hwaro hweGwaro, uye dzimwe dzisina kunyatsojeka. Asi avo vane kutsauka mumoyo mavo vanotevera idzo dzisina kunyatsojeka madziri, vachitsvaga mhirizhonga nekutsvaga kududzirwa kwadzo. Uye hapana anoziva kududzirwa kwadzo kunze kwaAllah. Uye avo vakadzika muruzivo vanoti: "Tinotenda madziri, dzose dzinobva kuna Tenzi vedu." Uye hapana anorangarira kunze kweavo vane njere.} [Aal 'Imraan: 7]. Akati: Mutumwa waAllah (Rugare nekuropafadzwa kwaAllah ngakuve kwaari) akati: «Kana ukaona avo vanotevera idzo dzisina kunyatsojeka madziri, ivavo ndivo avo vataurwa naAllah, saka vangwarirei».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيأمراض القلوب، ذَمُّ الهوى والشَّهوات، موقف أهل السنة من أهل البدع، تفسير الآياتموضوعات الحديثالمراء والجدال بالباطل، القرآن وعلومه، البدعة