Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

12 of 70 cards

Clear filters
Mutumwa (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakazarurirwa vane makore makore makumi mana. Saka vakagara kwemakore gumi nematatu kuMakkah, ndokubva vapiwa murairo wekutama. Vakabva vatama kuenda kuMadīnah, ndokugara makore gumi ikoko, ndokubva vashaya (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare).
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيمبعثه صلى الله عليه وسلم، العهد المكي بعد بعثته صلى الله عليه وسلم، العهد المدني بعد هجرته صلى الله عليه وسلم، وفاته صلى الله عليه وسلم، هجرته صلى الله عليه وسلم، الإيمان بنبينا محمد صلى الله عليه وسلمموضوعات الحديثالإيمان بالرسل عليهم السلاممحاور التعريف بالإسلامالتعريف بالنبي محمد صلى الله عليه وسلم
"Ndaiva ndakatasva kumashure kweMuporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) padhongi rainzi 'Ufayr, vakabva vati: «Iwe Mu'ādh, unoziva here kuti kodzero yaAllah pavaranda vavo ndeipi, uye kuti kodzero yevaranda kuna Allah ndeipi?» Ndikati: "Allah neMutumwa wavo ndivo vanonyanya kuziva." Vakati: «Zvirokwazvo kodzero yaAllah pavaranda vavo ndeyekuti vavanamate uye vasamusanganise nechimwe chinhu zvacho pakunamata (Shirk), uye kodzero yevaranda kuna Allah ndeyekuti havazovarangi avo vasingavasanganisi nechimwe chinhu zvacho pakunamata (Shirk).» Ndikabva ndati: "Imi Mutumwa waAllah! Handingazivisi here vanhu mashoko anofadza aya?" Vakati: «Usavazivisa, kuti vasazogutsikana nazvo, vobva varega kuita mabasa akanaka."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، توحيد الألوهيةموضوعات الحديثأهمية التوحيد، سعة فضل الله عز وجل، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلاموجوب إفراد الله بالعبادة
"Zuva rekutongwa harisviki kusvikira marwisa maJuda, kudzamara dombo rine muJuda ari kuseri kwaro rati: "Iwe muMuslim, uyu muJuda ari kuseri kwangu, saka muuraye."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالجهاد، أشراط الساعةموضوعات الحديثأشراط الساعة
"Kureba kwedziva rangu (Ḥawḍ) kwakaenzana nerwendo rwemwedzi mumwe. Mvura yaro yakachena kupfuura mukaka, uye kunhuwirira kwayo kwakanaka kupfuura pefiyumu yerudzi rwemusk. Uye mikombe yaro yakawanda senyeredzi dzekudenga; ani nani anonwa kubva mariri haambofi akanzwa nyota zvachose.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالحياة الآخرةموضوعات الحديثالإيمان باليوم الآخر