Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة1
حجم المحتوى4
التخريج المتعدد2
الخلفية الدينية للمستهدف3
حجم المحتوى: متوسط
«Zvirokwazvo, Allah havadzvinyiriri mutendi wechokwadi pabasa rakanaka (raanenge aita), anopihwa mubairo waro panyika, uye anopihwawaro muHupenyu Hunotevera. Asi uyo asingatendi, anopihwa zvekudya pamusana pemabasa akanaka aanenge aitira Allah panyika, zvekuti kana asvika kuHupenyu Hunotevera, anenge asisina basa rakanaka raangapuhwa mubairo pamusana paro.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيتوحيد الأسماء والصفات، الحياة الآخرة، الإيمان، الكفرموضوعات الحديثسعة فضل الله عز وجل، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامعدل الإسلام، الحساب، النجاة بالدخول في الإسلام
"“Rufu rwuchaunzwa rwuri muchimiro chegondohwe rine mavara matema nemachena, mushevedzeri obva ashevedzera achiti: ‘Imi vagari vekuParadhiso!’ Saka vanobva vasimudza misoro yavo vachitarisa, obva ati: ‘Munochiziva here ichi?’ Vachabva vati: ‘Hongu, urwu ndirwo rufu,’ uye vese vanenge varuona. Obva ashevedzera zvakare achiti: ‘Imi vagari vemumoto!’ Vachabva vasimudza misoro yavo vachitarisa, obva ati: ‘Munochiziva here ichi?’ Vachabva vati: ‘Hongu, urwu ndirwo rufu,’ uye vese vanenge varuona. Runobva rwabayiwa obva ati: ‘Imi vagari vekuParadhiso, garai kusingaperi hakuchina rufu, uye imi vagari vemumoto, garai kusingaperi hakuchina rufu.’ Zvadaro (Mutumwa) akaverenga ndima inoti: {Uye vayambire nezvezuva rekuzvidemba apo nyaya inenge yapedzwa, asi ivo vari mukukanganwa} [Maryam: 39]. Uye ivava vaishaya hanya ndivo vaitai zvemafaro ppanyika {uye ivo havatendi} [Maryam: 39].”
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيصفات الجنة والنار، تفسير الآيات، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالقرآن وعلومه، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالجنة، النار، خطورة الإعراض عن الحق