Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

7 of 26 cards

Clear filters
«Allah (Mwari) ngavanzwire tsitsi munhu anorerutsa kana achitengesa, uye kana achitenga, uye kana achikumbira kubhadharwa.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza», vakati: Imi Mutumwa waAllah (Mwari), ndezvipi izvo? Vakati: «Kusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva mhosva yehupombwe».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Minamato mishanu, neJumu'ah kusvika kune imwe Jumu'ah, uye Ramadhaan kusvika kune imwe Ramadhaan, zvinodzimura zvivi zviri pakati pazvo kana achinge adzivisa zvivi zvikuru».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
""Musaita dzimba dzenyu semakuva, uye musaita guva rangu nzvimbo yemhemberero, uye nditumirei minamato (kuvakumbirira makomborero nerugare); nekuti minamato yenyu inosvika kwandiri kwese kwamunenge muri.""
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud
«Kodzero yemuMuslim kune mumwe muMuslim dzishanu: kudaira Salaam, kushanyira anorwara, kutevera mufi, kubvuma kukokwa, nekuitira anohotsira du'a (munyengetero)».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Kwaive nemumwe murume aikweretesa vanhu, aiti kumushandi wake: 'Kana wasangana nemunhu ari mumatambudziko, muregerere, kuitira kuti zvimwe Allah (Mwari) vangatiregererawo.' Saka akasangana naAllah (Mwari), vakabva vamuregerera.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
"«Kana munhu ada hama yake, ngaamuudze kuti anomuda»."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra naAhmad.