Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 70 cards

Clear filters
"Allah pavakasika Paradhiso neMoto, vakatuma Jibrīl (rugare ngaruve kwaari) kuParadhiso, vakati: "Tarisa kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Naizvozvo, akatarisa kwariri ndokudzoka, akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achanzwa nezvaro asingapindemo." Saka vakaraira nezvaro ndokubva rakomberedzwa nezvinorema, vakati: "Enda kwariri utarise kwariri nezvandakagadzirira vagari varo mariri." Akabva akatarisa kwariri, ndokuwana rakakomberedzwa nezvinorema, ndokuti: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapindamo." Vakati: "Enda utarise kuMoto nezvandakagadzirira vagari vawo mauri." Saka akatarisa mauri ndokuwana zvikamu zvawo zvichikwira pamusoro pezvimwe, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, hapana achapindamo." Saka vakaraira nezvawo ndokubva wakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, vakati: "Dzokera utarise mauri." Akabva akatarisa mauri ndokuwana wakakomberedzwa nezvishuwo zvenyama, ndokudzoka akati: "Nehukuru hwenyu, zvirokwazvo ndatya kuti hapana achapunyuka kubva mauri asina kupindamo."
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i
التصنيف الشرعيذَمُّ الهوى والشَّهوات، صفات الجنة والنار، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالصبر، الإيمان باليوم الآخرمحاور التعريف بالإسلامالجنة، النار
"Allah vakapa mufananidzo wenzira yakatwasuka, uye kumativi maviri enzira kune madziro maviri, maari mune mikova yakavhurika, uye pamikova yacho pane machira akarembera. Panotangira nzira pane mudanidziri anoti: "Imi vanhu, pindai munzira mose, uye musatsauka." Uye kune mumwe mudanidziri anodana ari nechepamusoro penzira, kana munhu achida kuvhura chero upi zvawo wepamikova iyoyo, anoti: "Nhamo kwauri! Usaivhure, nekuti zvirokwazvo kana ukaivhura uchapinda mairi." Nzira iyoyo iIslam, uye madziro maviri aya: miganhu yaAllah, uye mikova yakavhurika: ndizvo zvakarambidzwa naAllah, uye mudanidziri uya ari pakatangira nzira: iBhuku raAllah, uye mudanidziri ari nechepamusoro penzira: muyambiri waAllah ari mumwoyo memuMuslim wese.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naAhmad
التصنيف الشرعيوصف القرآن وفضائله، أعمال القلوب، ذم المعاصي، ذَمُّ الهوى والشَّهوات، الإسلامموضوعات الحديثالكبائر والمحرمات، تعظيم شعائر الله وحرماته، التقوىمحاور التعريف بالإسلامالإسلام هو الدين الحق