Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

3 of 70 cards

Clear filters
Mutumwa waAllah (rugare nekuropafadzwa kwaAllah ngakuve kwavari) akaverenga ndima iyi: {Ndiye akaburutsa kwauri Gwaro, mariri mune ndima dzakajeka idzo dzinova hwaro hweGwaro, uye dzimwe dzisina kunyatsojeka. Asi avo vane kutsauka mumoyo mavo vanotevera idzo dzisina kunyatsojeka madziri, vachitsvaga mhirizhonga nekutsvaga kududzirwa kwadzo. Uye hapana anoziva kududzirwa kwadzo kunze kwaAllah. Uye avo vakadzika muruzivo vanoti: "Tinotenda madziri, dzose dzinobva kuna Tenzi vedu." Uye hapana anorangarira kunze kweavo vane njere.} [Aal 'Imraan: 7]. Akati: Mutumwa waAllah (Rugare nekuropafadzwa kwaAllah ngakuve kwaari) akati: «Kana ukaona avo vanotevera idzo dzisina kunyatsojeka madziri, ivavo ndivo avo vataurwa naAllah, saka vangwarirei».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيأمراض القلوب، ذَمُّ الهوى والشَّهوات، موقف أهل السنة من أهل البدع، تفسير الآياتموضوعات الحديثالمراء والجدال بالباطل، القرآن وعلومه، البدعة
Mumwe murume akauya kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndokuti: "Imi Mutumwa waAllah, zvirokwazvo umwe wedu anonzwa mumwoyo make - aireva chinhu chaaisada kudoma- zvokuti kutsva kuita madota kuri nani kwaari pane kutaura nezvazvo." Vakabva vati: "Allah ndivo vakurusa! Allah ndivo vakurusa! Kurumbidzwa kwose ndekwaAllah avo vaita kuti manomano ake (Shaiṭān) mukuzevezera.
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAn-Nasaa’i muAl-Kubra.
التصنيف الشرعيأمراض القلوب، الإيمان بالله عز وجل، الجن، الإيمانموضوعات الحديثالإيمان بالله تعالى
"Musadzidze ruzivo nechinangwa chekuzvikudza narwo pamberi penyanzvi dzechitendero, kana kukakavadzana naro nevasina njere, kana kuzvisarudzira nzvimbo dzepamusoro mumagungano. Ani nani anoita izvozvo, achawana Moto, Moto.»"
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naIbn Maajah
التصنيف الشرعيآداب العالم والمتعلم، أمراض القلوب، ذَمُّ الهوى والشَّهواتموضوعات الحديثالمراء والجدال بالباطل، الإخلاص، الرياء