Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

3 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة2
حجم المحتوى2
التخريج المتعدد3
الخلفية الدينية للمستهدف2
الفئة المستهدفة: المسلم
"Zvirokwazvo, zviratidzo zveNguva yeKutongwa zvinosanganisira kuti ruzivo ruchabviswa, kusaziva kuchawanda, hupombwe huchawanda, kunwiwa kwedoro kuchawanda, varume vachashomeka, uye vakadzi vachawanda kusvikira vakadzi makumi mashanu vava nemutariri mumwe chete.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيفضل العلم، أشراط الساعةموضوعات الحديثالحث على طلب العلم، الزنا، شرب الخمر، أشراط الساعة
"Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi kubva muBhuku raAllah yaunayo yakanyanya kukura?" Ndikati: "Allah neMuporofita wavo ndivo vanonyatsoziva." Vakati: "Iwe Abū Al-Mundhir, unoziva here kuti ivhesi ipi kubva muBhuku raAllah yaunayo yakanyanya kukura?" Ndakati: "{Allah, hapana mumwe mwari anofanirwa kunamatwa kunze kwavo, Mupenyu, Muchengeti wezvese} [Al-Baqarah: 255]." Vakabva varova pachipfuva changu, vakati: "Ndinopika naAllah, ruzivo ngarukupe mufaro, iwe Abū Al-Mundhir."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالصحابة وفضلهم، فضل العلم، فضائل السور والآياتموضوعات الحديثالحث على طلب العلم، فضائل السور والآيات، الصحابة رضي الله عنهم
Muporofita (rugare nemakomborero zvaAllah ngazive kwavari) vakataura pamusoro pechimwe chinhu, ndokuti: "Izvozvo zhichaitika panguva yekuenfa kweruzivo." Ndakati: "Imi Mutumwa waAllah, ruzivo rwunotsakatika sei isu tichiverenga Qur'ān, tichiridzidzisa kuvana vedu, uye vana vedu vachiridzidzisa kuvana vavo kusvikira Zuva reKumutswa?" Vakati: "Mai vako ngavashaikirwe newe iwe Ziyād (iri ishoko rekutsiura), chokwadi ndanga ndichikuona semumwe wevarume vane nzwisiso huru yechitendero muMadīnah. Ko maJudha nemaKirisitu ava havaverenge Torah neInjil here, asi vasingatevedzeri chero chinhu kubva mune zvirimo?!"
Ndeyechokwadi nekuda kwemamwe. Yakarondedzerwa naIbn Maajah
التصنيف الشرعيفضل العلم، فضائل أعمال القلوب، فضائل أعمال الجوارح، أشراط الساعةموضوعات الحديثأشراط الساعة