Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

3 of 70 cards

Clear filters
«Kurangarira kwakanakisa ndekwekuti: (Laa ilaaha illallahu) hapana akakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari), uye mumunyengetero wakanakisa ndewokuti: (Alhamdulillah) rumbidzo ndeyaAllah (Mwari)».
Yakanaka Yakarondedzerwa naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra uye Ibn Majah.
التصنيف الشرعيالأذكار المطلقة، أنواع الدعاءموضوعات الحديثالدعاء، الذِّكْر
Mumwe murume akauya kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) ndokuti: "Imi Mutumwa waAllah, zvirokwazvo umwe wedu anonzwa mumwoyo make - aireva chinhu chaaisada kudoma- zvokuti kutsva kuita madota kuri nani kwaari pane kutaura nezvazvo." Vakabva vati: "Allah ndivo vakurusa! Allah ndivo vakurusa! Kurumbidzwa kwose ndekwaAllah avo vaita kuti manomano ake (Shaiṭān) mukuzevezera.
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAn-Nasaa’i muAl-Kubra.
التصنيف الشرعيأمراض القلوب، الإيمان بالله عز وجل، الجن، الإيمانموضوعات الحديثالإيمان بالله تعالى
"Zvichanzi kumunhu weQur'ān: Verenga uye ukwire pamusoro, uye verenga zvakajeka semaverengero awaiita panyika, nokuti chinzvimbo chako chiri pandima yekupedzisira yaunoverenga».
Yakanaka Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAn-Nasaa’i muAl-Kubra naAhmad.
التصنيف الشرعيوصف القرآن وفضائله، آداب تلاوة القرآن الكريم، صفات الجنة والنارموضوعات الحديثتلاوة القرآن، القرآن وعلومه، الإيمان باليوم الآخر