Skip to content

Allah (Mwari) ngavanzwire tsitsi murume ane mwoyo munyoro paanotengesa, nepaanotenga, uye paanokumbira chikwereti chake.

Kubva kuna Jaabir (Allah ngavafare naye), kuti Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati:

«Allah (Mwari) ngavanzwire tsitsi munhu anorerutsa kana achitengesa, uye kana achitenga, uye kana achikumbira kubhadharwa.»

«رَحِمَ اللهُ رَجُلًا سَمْحًا إِذَا بَاعَ، وَإِذَا اشْتَرَى، وَإِذَا اقْتَضَى».

Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
Ndeyechokwadi
Tsananguro

Muporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) vakakumbirira tsitsi kune wese anenge akasununguka uye ane rupo pakutengesa kwake; Saka haaomeseri mutengi pamutengo wazvo, uye anomubata nehunhu hwakanaka, ane mutsa, ane rupo zvikuru kana achitenga; saka haaderedzi uye kudzikisira kukosha kwenhumbi, Akareruka, ane rupo uye akasununguka kana achikumbira kubhadharwa zvikwereti zvake; nokudaro haamanikidzi murombo neanoshaya, asi anomukumbira neunyoro nemutsa, uye anopa nguva kune ari mumatambudziko.

Zvirevo zvemashoko

...:

Zvimwe zvezvidzidzo zveHadith

Zvimwe zvezvinangwa zvemitemo ndezvekuchengetedza izvo zvinogadzirisa hukama pakati pevanhu.

Kukurudzira kushandiswa kwehunhu hwepamusoro mukudyidzana pakati pevanhu sekutengesa nekutenga, nezvimwewo zvakadaro.

Mabhuku anoshandiswa kutsvaga ruzivo.

Sahih al-Bukhari (3/ 57) (2076).

Zvimwe (7)

نزهة المتقين (2/ 944).

كنوز رياض الصالحين.

لمجموعة من الباحثين (16/ 386).

منار القاري.

لحمزة محمد قاسم (3/ 258).

شرح رياض الصالحين.

لابن عثيمين (5/ 405).