Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

11 of 70 cards

Clear filters
Kwakabvunzwa kuti: O Mutumwa waAllah, ndiani pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwenyu pazuva rekutongwa? Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati: "Ndakafunga, O Abu Hurairah, kuti hapana munhu aizondibvunza nezvenhaurwa iyi kutanga pamberi pako nekuda kwezvandakaona mukushuvira kwako nhaurwa, munhu pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwangu pazuva rekutongwa, ani naani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari) akazvipira kubva pamoyo pake kana mumweya wake."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
التصنيف الشرعيالصحابة وفضلهم، فضل العلم، فضائل التوحيد، آداب العالم والمتعلم، توحيد الألوهيةموضوعات الحديثالحث على طلب العلم، الشفاعة، الإخلاصمحاور التعريف بالإسلامالنجاة بالدخول في الإسلام
«Svitsai mashoko kubva kwandiri kunyange riri vhesi rimwe chete, uye taurai nezvevana vaIsraeri uye hapana mhosva, uye uyo anonyepa pamusoro pangu nemaune ngaatore nzvimbo yake kumoto.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
التصنيف الشرعيفضل الدعوة إلى الله وأحكامها، قصص وأحوال الأمم السابقة، أهمية السنة ومكانتهاموضوعات الحديثنشر العلم بالدعوة إلى الله، الدعوة إلى الله، الكذب على الله ورسوله
Vanhu veBhuku vaiverenga Torah nechiHebheru, vachiitsanangura nechiArabhu kuvanhu veIslam. Naizvozvo, Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive pavari) vakati: «Musatenda zvinotaurwa neVanhu veBhuku kana kuvati vanyepi, asi iti: {Takatenda kuna Allah nezvakadzikiswa kwatiri} [Al-Baqarah: 136] kusvika kumagumo evhesi».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
التصنيف الشرعيتفسير الآيات، الكتب السابقةموضوعات الحديثالقرآن وعلومه، الإيمان بالكتب السماوية