Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

24 of 26 cards

Clear filters
«Kana muranda akarwara kana kuenda parwendo, anonyorerwa zvakafanana nezvaaiita panguva yaaigara asiri parwendo uye aine hutano hwakanaka».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
"《Uyo anopika nezvisiri Allah (Mwari) , zvirokwazvo anenge atoramba kutenda kana kuti atosanganisa vamwe naAllah (Mwari)》."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Dawud naAt-Tirmidhi naAhmad.
«Paradhiso iri pedyo kune mumwe wenyu kupfuura tambo yeshangu yake, uye Moto wakangodarowo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
"«Ani naani anondivimbisa kuchengetedza zviri pakati peshaya dzake nezviri pakati pemakumbo ake, ndinomuvimbisa Paradhiso.»"
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari
«Nzvengai zvivi zvinomwe zvinoparadza», vakati: Imi Mutumwa waAllah (Mwari), ndezvipi izvo? Vakati: «Kusanganisa Allah (Mwari) nezvimwe zvisikwa, huroyi, kuuraya munhu izvo Allah (Mwari) vakarambidza kunze kwekuti pane chikonzero chinobvumidza kudaro, kudya mari yechimbadzo, kudya pfuma yenherera, kutiza pazuva rehondo, uye kupomera vakadzi vakachena, vari vatendi, vasina chavanoziva mhosva yehupombwe».
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
«Ani naani anosangana naAllah (Mwari) asingavabatanidzi nechimwe chinhu mukuvanamata; achapinda muJannah (Paradhiso), uye ani naani anosangana navo achivabatanidza nezvimwe zvinhu mukuvanamata; achapinda muMoto (Gehena).»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
«Minamato mishanu, neJumu'ah kusvika kune imwe Jumu'ah, uye Ramadhaan kusvika kune imwe Ramadhaan, zvinodzimura zvivi zviri pakati pazvo kana achinge adzivisa zvivi zvikuru».
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
Kwakabvunzwa kuti: O Mutumwa waAllah, ndiani pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwenyu pazuva rekutongwa? Mutumwa waAllah (rugare nemakomborero aAllah ngazvive paari) akati: "Ndakafunga, O Abu Hurairah, kuti hapana munhu aizondibvunza nezvenhaurwa iyi kutanga pamberi pako nekuda kwezvandakaona mukushuvira kwako nhaurwa, munhu pavanhu vese achanyanya kufara nekureverera kwangu pazuva rekutongwa, ani naani anoti: Hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah (Mwari) akazvipira kubva pamoyo pake kana mumweya wake."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAl-Bukhari