Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 70 cards

Clear filters
"Moto wenyu chikamu chimwe chete pazvikamu makumi manomwe zvemoto weGehenahanama." Zvakanzi: "Imi Mutumwa waAllah, zvirokwazvo iwoyu waikwana." Vakati: "Wakawedzerwa nezvikamu makumi matanhatu nepfumbamwe, zvese zvacho zviine kupisa kwakafanana nawo."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيصفات الجنة والنار، الحياة الآخرةموضوعات الحديثالإيمان باليوم الآخر، الخوفمحاور التعريف بالإسلامالنار
«Nguva yekuguma haisviki kudzamara zuva rabuda nekumadokero kwaro. Kana rabuda, uye vanhu vakariona, vese zvavo vachatenda. Asi iyoyo ichava nguva yekuti: {kutenda kwemunhu hakuzoubatsiri kana anga asina kutenda kare, kana kuti usina kuita mabasa akanaka mukutenda kwake} [Al-An'ām: 158]. Zvirokwazvo, nguva yekuguma ichasvika varume vaviri vakawarira nguo pakati pavo, asi havazotengeserani kana kuipeta. Uye zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika murume aenda nemukaka wengamera yake yaakama, asi haazounwi. Zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika munhu achigadzira dziva rake remvura, asi haazowana mukana wekupa vanhu mvura kubva mariri. Uye zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika mumwe wenyu asimudza musuva wekudya kuenda kumuromo wake, asi haazoudyi.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالتوبة، تفسير الآيات، أشراط الساعةموضوعات الحديثالقرآن وعلومه، أشراط الساعة، التوبةمحاور التعريف بالإسلامالمبادرة وعدم التسويف، خطورة الإعراض عن الحق