Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 26 cards

Clear filters
(Ani naani anoita Hajj nekuda kwaAllah (Mwari), akasaita zvinonyadzisira kana kuita zvitadzo, anodzokera akachena sezvaaiva pazuva raakazvarwa namai vake).
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
Pataive takagara neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) muMasjid, pakapinda mumwe murume aive pangamera, akaipfugamisa muMasjid ndokuikusunga, ndokuti kwavari: "Ndiani pakati penyu anonzi Muhammad?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akange akazendamra pakati pavo, saka takati: "Murume muchena akazendamira uyu." Murume wacho akati kwaari: "Iwe mwanakomana waʿAbdul Muṭṭalib!" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati kwaari: "Ndakupindura." Murume wacho akabva ati kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari): "Ndiri kuda kukubvunza uye ndichakuomesera pamibvunzo yacho, saka usazondigumbukira pamoyo pako." Akati: "Bvunza chero chaunoda." Akati: "Ndinokubvunza ndichikupikira naTenzi vako uye naTenzi veavo vakakutangira, Allah vakakutuma kuvanhu vese here?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti tinamate minamato mishanu masikati nehusiku?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti titsanye mwedzi uno mugore?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti utore zvipo izvi (Zakāt) kubva kuvapfumi vedu wozvigova kuvarombo vedu?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati: "Hongu, ndopika naAllah." Murume wacho akati: "Ndatenda mune zvese zvawauya nazvo, uye ndiri nhumwa yevanhu vangu vandakasiya kumashure. Ini ndiri Ḍimām bin Tha'labah, hama yekwaBani Sa'd bin Bakr."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim