Skip to content
26 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 26 cards

Clear filters
"«Veduwe-e Allah (Mwari), musaita kuti guva rangu rive chidhori (chinonamatwa), Allah (Mwari) vakatuka vanhu vakaita makuva emaporofita vavo nzvimbo dzekunamatira (maMasjid)»."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAhmad
Pataive takagara neMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) muMasjid, pakapinda mumwe murume aive pangamera, akaipfugamisa muMasjid ndokuikusunga, ndokuti kwavari: "Ndiani pakati penyu anonzi Muhammad?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akange akazendamra pakati pavo, saka takati: "Murume muchena akazendamira uyu." Murume wacho akati kwaari: "Iwe mwanakomana waʿAbdul Muṭṭalib!" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati kwaari: "Ndakupindura." Murume wacho akabva ati kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari): "Ndiri kuda kukubvunza uye ndichakuomesera pamibvunzo yacho, saka usazondigumbukira pamoyo pako." Akati: "Bvunza chero chaunoda." Akati: "Ndinokubvunza ndichikupikira naTenzi vako uye naTenzi veavo vakakutangira, Allah vakakutuma kuvanhu vese here?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti tinamate minamato mishanu masikati nehusiku?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti titsanye mwedzi uno mugore?" Akati: "Hongu, ndopika naAllah." Akati: "Ndinokupikisa naAllah, Allah vakakuraira here kuti utore zvipo izvi (Zakāt) kubva kuvapfumi vedu wozvigova kuvarombo vedu?" Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwaari) akati: "Hongu, ndopika naAllah." Murume wacho akati: "Ndatenda mune zvese zvawauya nazvo, uye ndiri nhumwa yevanhu vangu vandakasiya kumashure. Ini ndiri Ḍimām bin Tha'labah, hama yekwaBani Sa'd bin Bakr."
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim