Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة2
حجم المحتوى2
التخريج المتعدد2
الفئة المستهدفة: المسلم
«Nguva yekuguma haisviki kudzamara zuva rabuda nekumadokero kwaro. Kana rabuda, uye vanhu vakariona, vese zvavo vachatenda. Asi iyoyo ichava nguva yekuti: {kutenda kwemunhu hakuzoubatsiri kana anga asina kutenda kare, kana kuti usina kuita mabasa akanaka mukutenda kwake} [Al-An'ām: 158]. Zvirokwazvo, nguva yekuguma ichasvika varume vaviri vakawarira nguo pakati pavo, asi havazotengeserani kana kuipeta. Uye zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika murume aenda nemukaka wengamera yake yaakama, asi haazounwi. Zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika munhu achigadzira dziva rake remvura, asi haazowana mukana wekupa vanhu mvura kubva mariri. Uye zvirokwazvo nguva yekuguma ichasvika mumwe wenyu asimudza musuva wekudya kuenda kumuromo wake, asi haazoudyi.»
Ndeyechokwadi Yakabvumiranwa naAl-Bukhari naMuslim
التصنيف الشرعيالتوبة، تفسير الآيات، أشراط الساعةموضوعات الحديثالقرآن وعلومه، أشراط الساعة، التوبةمحاور التعريف بالإسلامالمبادرة وعدم التسويف، خطورة الإعراض عن الحق
Murume akauya kuMuporofita (Allah ngavavakomborere nekuvapa rugare) ndokuti: "Iwe Mutumwa waAllah, handina kusiya chitadzo chikuru kana chidiki kunze kwekuti ndakachiita." Mutumwa vakati: «Hausi kupupura here kuti hapana chakakodzera kunamatwa kunze kwaAllah uye kuti Muhammad Mutumwa waAllah?» katatu. Akati: "Hongu." Vakati: «Zvirokwazvo izvozvo zvinodzima izvozvo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naAbu Ya'la naTabarani naAl-Dhiya Al-Maqdisi
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، الإيمان بالله عز وجل، الإيمان بنبينا محمد صلى الله عليه وسلمموضوعات الحديثأهمية التوحيد، سعة فضل الله عز وجل، الإيمان بالرسل عليهم السلاممحاور التعريف بالإسلامفوائد الدخول في الإسلام، النجاة بالدخول في الإسلام، النطق بالشهادتين