Skip to content
70 Hadiths

Encyclopedia of Prophetic Hadiths

Filter results

2 of 70 cards

Clear filters
Filter
Pick a property to filter by
الفئة المستهدفة2
حجم المحتوى2
التخريج المتعدد1
الخلفية الدينية للمستهدف5
التصنيف العقدي2
الخلفية الدينية للمستهدف: يهودية

Narrated in

Mumwe murume akauya kuMuporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) akati: "Iwe Mutumwa waAllah, ndezvipi zvinhu zviviri zvine mhedzisiro inosungirwa?" Vakati: "Uyo anofa asingasanganise Allah nechinhu pakunamata anopinda muParadhiso, uye uyo anofa achibatanidza Allah nechinhu pakunamata anoenda kuMoto."
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيفضائل التوحيد، توحيد الألوهية، الشركموضوعات الحديثأهمية التوحيد، الشرك بالله وأقسامهمحاور التعريف بالإسلاموجوب إفراد الله بالعبادة، بطلان الشرك وصوره
Ndakanzwa Muporofita (rugare nemakomborero aAllah ngazvive kwavari) mazuva mashanu vasati vafa vachiti: «Zvirokwazvo, ndinozvisunungura kuna Allah (Mwari) kuti ndisava neshamwari yepedyo zvikuru pakati penyu, nokuti zvirokwazvo Allah (Mwari), Varikumusoro-soro, vakandiita shamwari yepedyo, sekutora kwavakaita Abrahamu seshamwari yepedyo. Uye kudai ndaizotora shamwari yepedyo kubva muvanhu vangu, ndaizotora Abu Bakr seshamwari yepedyo. Zivai kuti zvirokwazvo, vanhu vekare vaitora makuva emaporofita vavo neevakarurama vavo senzvimbo dzekunamatira (maMasjid). Chenjerai, musatora makuva senzvimbo dzekunamatira (maMasjid), zvirokwazvo, ini ndinokurambidzai izvozvo.»
Ndeyechokwadi Yakarondedzerwa naMuslim
التصنيف الشرعيالصحابة وفضلهم، أحكام المساجد، توحيد الألوهية، الخصائص النبويةموضوعات الحديثاتخاذ القبور مساجد، حقوق النبي ﷺ، الصحابة رضي الله عنهممحاور التعريف بالإسلامبطلان الشرك وصوره، الغلو في الأنبياء